Isaiah 38

Kurwara kwaHezekia

1Mumazuva iwayo Hezekia akarwara kusvikira oda kufa. Muprofita Isaya mwanakomana waAmozi akaenda kwaari akati, “Zvanzi naJehovha: Gadzirisa zveimba yako, nokuti uri kuzofa; hausi kuzopona.”

2Hezekia akatendeukira kumadziro akanyengetera kuna Jehovha achiti, 3“Rangarirai henyu, Jehovha, kuti ndakafamba sei nokutendeka pamberi penyu nomwoyo wose nechokwadi uye ndikaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekia akachema kwazvo.

4Ipapo shoko raJehovha rakauya kuna Isaya richiti, 5“Enda undoti kuna Hezekia, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wababa vako Dhavhidhi: Ndanzwa munyengetero wako uye ndaona misodzi yako; ndichawedzera makore gumi namashanu paupenyu hwako. 6Uye ndichakurwira iwe neguta rino kubva muruoko rwamambo weAsiria. Ndicharwira guta rino.

7“ ‘Ichi ndicho chiratidzo chaJehovha kwauri kuti Jehovha achaita zvose zvaakavimbisa: 8Ndichaita kuti mumvuri waitwa pazuva udzokere shure nhambwe gumi pamutaro wawanga wafamba pamanera aAhazi.’ ” Saizvozvo zuva rakadzokera shure nhambwe gumi dzarakanga radzika.

9Chinyorwa chaHezekia mambo weJudha mushure mokurwara nokupora kwake:

10Ndakati, “Mazuva oupenyu hwangu
achangotanga ndingafanira kupinda mumasuo orufu here?
Ndigotorerwa makore angu asara here?”
11Ndakati, “Handichazoonizve Jehovha,
iye Jehovha, munyika yavapenyu;
handichazotarisizve kuvanhu
kana kuva naavo vagere munyika ino zvino.
12Setende romufudzi, imba yangu
yakoromorwa uye yatorwa.
Somuruki ndapeta upenyu hwangu,
uye iye andigura kubva pachirukiso;
masikati namadekwana makaita kuti ndigume.
13Ndakamirira nomwoyo murefu kusvikira mambakwedza,
asi iye akavhuna mapfupa angu ose kufanana nezvinoitwa neshumba;
masikati namadekwana makaita kuti ndigume.
14Ndakarira senyenganyenga kana kondo.
Ndakachema sokuchema kunoita njiva.
Meso angu akaneta nokutarisa kudenga.
Haiwa Jehovha, ndine nhamo, uyai mundinunure!”

15Asi ndingati kudiniko?
Iye ataura neni, uye iye ndiye aita izvi.
Ndichafamba nokuzvininipisa pamakore angu ose,
nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo wangu.
16Ishe, vanhu vanorarama nezvinhu zvakadai;
uye mweya wangu unowana upenyu mazviriwo.
Makandiporesa
mukandiraramisa.
17Zvirokwazvo kutambudzika kwangu kukuru
kwakandivigira rugare.
Murudo rwenyu makandirwira
pagomba rokuparadzwa;
makaisa zvivi zvangu zvose
shure kwenyu,
18Nokuti guva haringagoni kukurumbidzai,
rufu harugoni kukurumbidzai nenziyo;
vanodzika kugomba
havangagoni kutarisira kutendeka kwenyu.
19Vapenyu, ivo vapenyu,
ndivo vanokurumbidzai,
sezvandiri kuita iye nhasi;
madzibaba anoudza vana vavo nezvokutendeka kwenyu.

20Jehovha achandiponesa,
uye tichaimba nemitengeranwa,
mazuva ose oupenyu hwedu
mutemberi yaJehovha.
21Zvino Isaya akanga ati, “Gadzirai bundu ramaonde mugoriisa pamota, uye achapora.”

22Hezekia akanga abvunza achiti, “Chiratidzo chichava chei chokuti ndiende kutemberi yaJehovha?”

Copyright information for SnaBDSC